KURARAMA KWECHIKRISTU
‘Haiwa Jehovha, Ndinovimba Nemi’
Tinofanira kuvimba naJehovha nguva dzose kunyange pazvinenge zvakaoma. (Pis 25:1, 2) Makore ekuma700 B.C.E., vaJudha vakasangana nedambudziko raida kuti vavimbe naMwari. Zvavakaita zvinotidzidzisa zvimwe zvinhu. (VaR 15:4) Kana wapedza kuona vhidhiyo inonzi ‘Haiwa Jehovha, Ndinovimba Nemi,’ pindura mibvunzo inotevera.
-
Hezekiya akasangana nedambudziko ripi?
-
Hezekiya akashandisa sei zvinotaurwa pana Zvirevo 22:3 guta ravo paraida kuparadzwa?
-
Nei Hezekiya asina kubvuma kusarenda kana kuti kutsvaka rubatsiro kuIjipiti?
-
SevaKristu tingatevedzerawo sei Hezekiya?
-
Ndepapi patinofanira kuratidza kuti tinovimba naJehovha?