January 1-7
MATEU 1-3
Rwiyo 14 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Umambo Hwokumatenga Hwaswedera Pedyo”: (10 min.)
[Ratidzai vateereri vhidhiyo yeKusuma Bhuku raMateu.]
Mt 3:1, 2—Johani Mubhabhatidzi aiparidza kuti Mambo weUmambo hwekudenga akanga ava kuzouya (“kuparidza,” “Umambo,” “Umambo hwokumatenga,” “hwaswedera pedyo” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 3:1, 2, nwtsty)
Mt 3:4—Johani Mubhabhatidzi airarama upenyu husina zvakawanda uye akanga akazvipira kuita zvaidiwa naMwari (“Zvaipfekwa naJohani Mubhabhatidzi Uye Zvaaiva Akaita,” “Mhashu,” “Uchi Hwemusango” mapikicha nemavhidhiyo Mt 3:4, nwtsty)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Mt 1:3—Nei Mateu akataurawo nezvevakadzi 5 paaitaura nezvedzinza raJesu? (“Tamari” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 1:3, nwtsty)
Mt 3:11—Tinozviziva sei kuti munhu paanobhabhatidzwa anofanira kunyudzwa mumvura? (“bhabhatidza” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 3:11, nwtsty)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Mt 1:1-17
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunoona Munhu Kekutanga: (4 min.) Ratidza vhidhiyo yacho, mokurukura zvirimo.
Paunodzokera Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira.
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) bh 39 ¶6-7
KURARAMA KWECHIKRISTU
Mushumo Webasa Wepagore: (15 min.) Hurukuro inopiwa nemukuru. Verengai tsamba inobva kuhofisi yebazi yemushumo webasa wepagore, mozoita kuti vaparidzi vamakatosarudza nechekare vauye kuchikuva votaura zvinonakidza zvavakasangana nazvo muushumiri mugore rebasa rakapfuura.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 2
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 137 Nemunyengetero