KURARAMA KWECHIKRISTU
Musazvidya Mwoyo
MuMharidzo yepaGomo, Jesu akati: “Regai kuzvidya mwoyo pamusoro pemweya yenyu.” (Mt 6:25) Sezvo tichirarama munyika yaSatani, tinotombozvidya mwoyo dzimwe nguva. Asi Jesu akadzidzisa kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo. (Zvi 12:25) Nemhaka yei? Nekuti kuzvidya mwoyo zvakanyanya, kunyange nezvinhu zvinodiwa pakurarama, kunogona kutivhiringidza topedzisira tava kuomerwa nekuisa Umambo pekutanga. (Mt 6:33) Zvimwe zvakazotaurwa naJesu zvichatibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo.
-
Mt 6:26—Tinodzidzei kubva kushiri? (w16.07 9-10 ¶11-13)
-
Mt 6:27—Nei kunyanya kuzvidya mwoyo kuri kupedza nguva? (w05 11/1 22 ¶5)
-
Mt 6:28-30—Tinodzidzei kubva kumaruva emusango? (w16.07 10-11 ¶15-16)
-
Mt 6:31, 32—VaKristu vakasiyana papi nevanhu vari munyika? (w16.07 11 ¶17)
Zvii zvandinoda kurega kuzvidya mwoyo nezvazvo?