January 22-28
MATEU 8-9
Rwiyo 17 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jesu Aida Vanhu”: (10 min.)
Mt 8:1-3—Jesu akaratidza tsitsi dzinoshamisa paakarapa murume aiva nemaperembudzi (“akamubata,” “Ndinoda” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 8:3, nwtsty
Mt 9:9-13—Jesu aida vanhu vaitarisirwa pasi (“akatsenhama patafura,” “vateresi” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 9:10, nwtsty)
Mt 9:35-38—Kuda vanhu ndikwo kwakaita kuti Jesu aparidze mashoko akanaka kunyange paainge akaneta uye akatonyengetera kuna Mwari kuti atume vamwe vashandi (“akasiririswa” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mt 9:36, nwtsty)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Mt 8:8-10—Tinodzidzei kubva pane zvakataurwa naJesu kumukuru weuto? (w02 8/15 13 ¶16)
Mt 9:16, 17—Jesu airevei paakataura mifananidzo miviri iyi? (jy 70 ¶6)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Mt 8:1-17
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunodzokera Kechipiri: (3 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira. Koka munhu wacho kumusangano.
Paunodzokera Kechitatu: (3 min. zvichidzika) Shandisa rugwaro rwaunoda uye mupe rimwe remabhuku atinodzidza nevanhu Bhaibheri.
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) bh 44 ¶18-19
KURARAMA KWECHIKRISTU
‘Chokwadi Mwari Akamuita Ishe Uye Kristu’—Chikamu 1, Nzwisa: (15 min.) Kukurukurirana. Verengai Mateu 9:18-25 uye onai vhidhiyo yacho, mobva makurukura mibvunzo inotevera:
Jesu akaratidza sei kuti aida mukadzi airwara naJairosi?
Nyaya iyi inoita kuti uone sei uprofita huri muBhaibheri hwezvichaitika kana Umambo hwava kutonga?
Tingaratidza sei kuti tinoda vanhu sezvaiita Jesu?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 5
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 95 Nemunyengetero