Jesu Aida Vanhu
Zvitsauko 8 ne9 zvaMateu zvinotaura nezveushumiri hwaJesu muGarireya. Paakaporesa vanhu, akaratidza simba raaiva naro, asi chikuru ndechekuti akaratidza rudo uye tsitsi dzaaiva nadzo.
-
Jesu akaporesa murume aiva nemaperembudzi.—Mt 8:1-3
-
Jesu akaporesa mushandi wemukuru weuto.—Mt 8:5-13
Akaporesa amai vemudzimai waPetro.—Mt 8:14, 15
Akadzinga madhimoni uye akarapa vanhu vairwara.—Mt 8:16, 17
-
Jesu akadzinga madhimoni aityisa, achibva aita kuti aende munguruve.—Mt 8:28-32
-
Jesu akarapa munhu akanga akaoma rutivi.—Mt 9:1-8
Akarapa mukadzi akanga abata nguo yake uye akamutsa mwana waJairosi.—Mt 9:18-26
Akarapa mapofu nembeveve.—Mt 9:27-34
-
Jesu akafamba mumaguta nemumisha, achirapa hosha dzemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese. —Mt 9:35, 36
Ndingawedzera sei kuratidza rudo uye tsitsi kune vamwe?