KURARAMA KWECHIKRISTU
Tanga Waita Kuti Uve Norugare Nehama Yako—Ungazviita Sei?
Ngatitii uri kurarama panguva yaJesu uye uri kugara kuGarireya. Waenda kuJerusarema kuMutambo Wematumba. Muguta racho makazara nevamwe vashumiri vaJehovha vabva kure. Uri kuda kunopa Jehovha chibayiro chembudzi. Saka unobva watanga kufamba nayo nemumigwagwa yakazara vanhu wakananga kutemberi. Paunosvika, unowana patemberi pakati maku nevamwe vauya kuzopawo zvibayiro zvavo. Mukana wako wekuti upe mbudzi yako kuvapristi unozosvika. Panguva iyoyo unobva wayeuka kuti hama yako, iyo inogona kunge iri ipapo kana kuti muguta racho, ine chigumbu newe. Unobva wayeuka zvakataurwa naJesu. (Verenga Mateu 5:24.) Iwe nehama yako mungaita sei kuti muve nerugare sezvakataurwa naJesu? Pamabhokisi maviri ari pasi apa, tika mhinduro yechokwadi.
UNOFANIRA . . .
-
kungotaura nehama yako kana uchifunga kuti pane chikonzero chine musoro chakaita kuti agumbuke
-
kumuratidza kuti haafaniri kungogumbuka nezvinhu zvidiki-diki kana kuti kumuratidza kuti naiyewo ane zvaakanganisa
-
kunyatsoteerera hama yako painenge ichitaura, uye kunyange usiri kuinzwisisa, kumbira ruregerero nekumurwadzisa kwawakamuita kunyange wakazviita usingazivi
HAMA YAKO INOFANIRA . . .
-
kuudza vamwe vari muungano nezvenyaya yacho
-
kukutuka, kudonongodza zvese zvawakaitadzira, uye kukuita kuti ubvume kuti une mhosva
-
kuona kuti wazvininipisa uye waratidza ushingi hwekuenda kunotaura nayo, yokuregerera nemwoyo wese
Kunyange zvazvo tisingachapi zvibayiro zvemhuka, Jesu aida kutidzidzisei nezvekubatana kwakaita kunamata kunodiwa naMwari nekuva nerugare nehama yedu?