KURARAMA KWECHIKRISTU
Sarudza Kushumira Jehovha
Kana uri muparidzi wechidiki asati abhabhatidzwa kana kuti uri mudzidzi weBhaibheri, une chinangwa chekuzobhabhatidzwa here? Nei uchifanira kubhabhatidzwa? Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa ndiko kunoita kuti uzokwanisa kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. (Pis 91:1) Kunoitawo kuti uzoponeswa. (1Pe 3:21) Zvii zvaungaita kuti uzosvika pakubhabhatidzwa?
Iva nechokwadi chekuti zvauri kudzidza ndicho chokwadi. Kana ukava nemibvunzo, tsvakurudza. (VaR 12:2) Ona kuti ndezvipi zvaungada kuchinja muupenyu hwako. Kana wazviona, kuda kwaunoita kufadza Jehovha ndiko kuchaita kuti uchinje. (Zvi 27:11; VaE 4:23, 24) Gara uchinyengetera kwaari kuti akubatsire. Iva nechokwadi chekuti Jehovha achakusimbisa uye achakutsigira achishandisa mweya mutsvene wake. (1Pe 5:10, 11) Kana ukaita izvi uchaona kuti unenge washandira zviripo. Kushumira Jehovha ndicho chinhu chakanakisisa chatingaita muupenyu!—Pis 16:11.
ONA VHIDHIYO INONZI ZVEKUITA KUTI UBHABHATIDZWE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Vamwe vakakunda zvinhu zvipi kuti vazobhabhatidzwa?
-
Ungaitei kuti uve nekutenda kunodiwa kuti uzozvitsaurira kuna Jehovha?
-
Chii chakabatsira vamwe kuti vazotora matanho ekuti vabhabhatidzwe?
-
Makomborero api anowanikwa nevaya vanosarudza kushumira Jehovha?
-
Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kuita sei?