KURARAMA KWECHIKRISTU
Uchashumira Sapiyona Webetsero Muna March Kana Kuti April Here?
Ungada kuwedzera zvaunoita mubasa raJehovha mumwaka weChirangaridzo here? (2VaK 5:14, 15) Muna March naApril, mapiyona ebetsero anogona kusarudza kuita maawa 30 kana kuti 50. Kana uchikwanisa kuita basa iri rinokosha, endesa fomu rako kuDare Rebasa Reungano. Mazita evaya vanenge vabvumirwa kushumira semapiyona ebetsero achaziviswa kuungano mwedzi wega wega wavanenge vachipayona. Izvi zvichabatsira kuti ungano itsigire mapiyona muushumiri. Dai tese tikanyatsoshandisa mukana uyu mumwaka weChirangaridzo kuti tiwedzere unyanzvi hwedu pakuparidza uye kukurudzirana.—1VaT 5:11.