KURARAMA KWECHIKRISTU
Takarongwa Kuti Tiparidzire Vanhu Vese
Jehovha anoronga vanhu vake mazuva ano kuti vaite kuda kwake semarongero aakaita vaIsraeri. Pasi rese, mahofisi emapazi, matunhu, ungano, uye mapoka ekuparidza, zvese zvakarongwa kuti mashoko akanaka arambe achiparidzwa. Tinoparidzira munhu wese kusanganisira vaya vanotaura mimwe mitauro.—Zva 14:6, 7.
Wakambofunga nezvekudzidzira mumwe mutauro here kuti ubatsire vamwe vanhu kudzidza chokwadi? Kunyange usina nguva yekudzidza mumwe mutauro, unogona kushandisa JW Language app kudzidzira mharidzo iri nyore. Kana uchinge waishandisa muushumiri, unogona kuva nemufaro sewakava nevaKristu vekutanga pavakaparidzira vanhu vaibva kune dzimwe nyika avo vakashamiswa nekunzwa “zvinhu zvikuru pamusoro paMwari” mumitauro yavo.—Mab 2:7-11.
ONA VHIDHIYO YAKANZI IVA SHAMWARI YAJEHOVHA—PARIDZA NOMUTAURO WOKUNE IMWE NYIKA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Ndepapi paungashandisa JW Language app?
-
Zvii zvimwe zviri paapplication yacho?
-
Vanhu vemundima yenyu vanotaura mitauro ipi?
-
Unofanira kuitei kana munhu anotaura mumwe mutauro akafarira mashoko eUmambo?—od 100-101 ¶39-41