Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chengetedza Wanano Yako

Chengetedza Wanano Yako

Jehovha anokoshesa chaizvo mhiko dzemuchato. Akati murume nemudzimai vanofanira kuramba vari pamwe chete. (Mt 19:5, 6) Pakati pevanhu vaMwari pane vanhu vakawanda vari kufara muwanano dzavo. Zvisinei, hapana wanano ine vanhu vasingakanganisi. Matambudziko anomuka. Hatifaniri kuva nemaonero ane vanhu vakawanda ekuti kana pakamuka matambudziko, kuparadzana kana kuti kurambana ndiko kuzvipedza. VaKristu vangachengetedza sei wanano dzavo?

Ona mazano 5 anokosha.

  1. Chengetedza mwoyo wako nekuramba zvinhu zvakadai sekutamba nemwoyo wemumwe munhu uye varaidzo yeunzenza, izvo zvinogona kukanganisa wanano.—Mt 5:28; 2Pe 2:14.

  2. Simbisa ushamwari hwako naMwari uye shanda nesimba kuti wanano yako imufadze.—Pis 97:10.

  3. Ramba uchipfeka unhu hutsva uye ita kunyange zvinhu zvidiki zvinoratidza kuti une hanya nemumwe wako.—VaK 3:8-10, 12-14.

  4. Rambai muchikurukura zvine ruremekedzo.—VaK 4:6.

  5. Ipa mumwe wako zvaanofanira kupiwa, uchizviita nerudo.—1VaK 7:3, 4; 10:24.

VaKristu pavanokudza wanano, vanenge vachitokudza Jehovha, uyo akaitanga.

ONA VHIDHIYO INONZI ‘NGATIMHANYEI TICHITSUNGIRIRA’—TEERERA MITEMO YEMAKWIKWI EKUMHANYA, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Kunyange zvazvo wanano ingatanga zvakanaka, matambudziko api anogona kumuka?

  • Mazano api eBhaibheri anogona kubatsira vaya vanofunga kuti vari muwanano isina rudo?

  • Shandisa mazano ari muBhaibheri kuti ufare muwanano

    Jehovha akapa mitemo ipi ine chekuita newanano?

  • Murume nemudzimai vanofanira kuitei kuti vafare muwanano yavo?