Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Magungano Anoitwa Gore Negore Anotipa Mikana Yekuratidza Rudo

Magungano Anoitwa Gore Negore Anotipa Mikana Yekuratidza Rudo

Nei tichinakidzwa chaizvo nemagungano edu anoitwa gore negore? Sezvaiitika panguva yevaIsraeri, magungano atinoita mazuva ano anowanzotipa mikana yekunamata Jehovha pamwe chete nemazana kunyange nezviuru zvehama nehanzvadzi dzedu. Tinoda zvese zvatinodzidza pamagungano nekuti zvinotibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha. Tinokoshesawo nguva yatinova nehama neshamwari. Izvi zvinoita kuti tide kupinda mazuva acho ese ari matatu.

Patinova nemikana yekuva pamwe chete, hatifaniri kungotarisira kuti tiitirwe zvimwe zvinhu nevamwe, asi tinofanira kufunga kuti zvii zvatingavaitirawo kuratidza kuti tinovada. (VaG 6:10; VaH 10:24, 25) Patinobvumira hama nehanzvadzi dzedu kuti dzitange kupinda kana kuti patinobata pekugara pevanhu vatinenge tichingofamba navo chete, tinenge tichiratidza kuti tinofungawo zvakanakira vamwe. (VaF 2:3, 4) Magungano anotipa mukana wekuwana shamwari itsva. Gungano risati ratanga kana kuti rapera uye panguva yekumbozorora, tinogona kuva nechinangwa chekukurukura nemumwe munhu watisingazivi. (2VaK 6:13) Tinogona kuva neushamwari hunogara nariini nevanhu ivavo! Chinonyanya kukosha ndechekuti vamwe pavanoona tichiratidzana rudo rwechokwadi, vanogona kuzosarudza kubatana nesu pakushumira Jehovha.—Joh 13:35.

ONA VHIDHIYO INONZI “RUDO HARUMBOPERI!” MAGUNGANO ENYIKA DZAKAWANDA, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hama dzaibva kune dzimwe nyika dzakaratidzwa sei rudo pamagungano enyika dzakawanda emuna 2019?

  • Nei kubatana uye kuratidzana rudo kwevanhu vaJehovha kuchishamisa?

  • Zvii zvakanyanya kutaurwa nehama dziri muDare Rinotungamirira nezverudo rwechiKristu?

  • Zvii zvaungaitawo kuti uratidze kuti unoda hama dzako pamagungano?

    Rudo rwechiKristu rwakabatanidza sei hama dzedu kuGermany uye kuSouth Korea?

  • Tinofanira kutsunga kuitei?