KURARAMA KWECHIKRISTU
Mwari naKristu Vachatisunungura
Matambudziko api aunosangana nawo zuva nezuva? Uri baba vemba vari kuedza kuita zvese zvavanogona kuti variritire mhuri yavo here? Uri mubereki ari kutamburira kurera vana ari ega here? Uri mwana wechikoro ari kushungurudzwa nevamwe vana kuchikoro here? Une dambudziko reutano kana kuti rekukwegura here? Munhu wese ane matambudziko aanosangana nawo. VaKristu vakawanda vari kusangana nematambudziko akawanda. Asi tinoziva kuti tava pedyo nekusunungurwa paari.—2VaK 4:16-18.
Iye zvino tinonyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anoziva matambudziko edu, anokoshesa kuvimbika kwatakaita kwaari uye kutsungirira kwatinoita, uye achatikomborera chaizvo mune ramangwana. (Jer 29:11, 12) Jesu anewo hanya nemunhu mumwe nemumwe. Patinenge tichiita mabasa edu echiKristu, tinenge tiine chokwadi nemashoko ake aakataura ekuti: “Ndichange ndiinemi.” (Mt 28:20) Patinofungisisa nezverusununguko rwatichava narwo patinenge tichitongwa neUmambo hwaMwari mune ramangwana, tariro yedu inosimba uye tinoramba tichitsungirira miedzo yatiri kusangana nayo iye zvino.—VaR 8:19-21.
ONA VHIDHIYO INONZI DUTU SEZVARINOSWEDERA, RAMBA WAKATARIRA KUNA JESU!—MAKOMBORERO ATICHAWANA MUUMAMBO, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Zvakafamba sei kuti vanhu vave vakaparadzaniswa naMwari, uye zvakaguma nei?
-
Vaya vakatendeka kuna Jehovha vachava neramangwana rakaita sei?
-
Chii chinoita kuti tikwanise kuwana makomborero aya?
-
Makomborero api auri kutarisira kuzowana munyika itsva?