KURARAMA KWECHIKRISTU
Vabereki, Itai Kuti Vana Venyu Vave Neruzivo
Tiri kurarama munyika inoona zvinhu zvakanaka sezvakaipa uye zvakaipa sezvakanaka. (Isa 5:20) Vamwe vanhu vanoita zvinhu zvinovengwa naJehovha zvakadai seungochani. Vekuchikoro kana vamwewo vanhu vangaedza kunyengera vechidiki vedu kuti vavatevedzere. Ungabatsira sei vana vako kuti vakunde miedzo yakadai nemimwewo?
Itai kuti vana venyu vazive zvinodiwa naJehovha. (Re 18:3) Rambai muchivaudza zvinotaurwa neBhaibheri nezvebonde zvichienderana nezera ravo. (Dhe 6:7) Zvibvunzei kuti: ‘Ndakadzidzisa vana vangu nezvenzira dzakakodzera dzekuratidza kufarira vamwe vanhu, kukosha kwekupfeka hembe dzine mutsigo uye kuti vamwe vanhu vanofanira kuremekedza miviri yavo here? Vana vangu vanoziva zvekuita here kana mumwe munhu akaedza kuvaratidza mifananidzo inonyadzisira kana kuti akavaudza kuti vaite zvinhu zvinonzi naJehovha zvakaipa?’ Mukagara mapa vana venyu ruzivo zvinovabatsira kuti vasapinda mumatambudziko. (Zvi 27:12; Mup 7:12) Mukadzidzisa vana venyu munoratidza kuti munoda nhaka yamakapiwa naJehovha.—Pis 127:3.
ONA VHIDHIYO INONZI VAKA IMBA ICHARAMBA YAKAMIRA—DZIVIRIRAI VANA VENYU PAZVINHU “ZVAKAIPA,” WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Nei vamwe vachizeza kudzidzisa vana vavo nezvebonde?
-
Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana vavo ‘vachivarayira sezvinodiwa naJehovha’?—VaE 6:4
-
Zvii zvatiri kupiwa nesangano raJehovha zvinobatsira vabereki kuti vadzidzise vana vavo zvine chekuita nebonde?—w19.05 12, bhokisi
-
Nei uchifanira kugara uchikurukura nevana vako matambudziko asati amuka?