KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvinhu Zvakasikwa Zvinoita Kuti Tiwedzere Kuvimba Neuchenjeri hwaJehovha
Nguva dzese Jehovha anoziva zvakatinakira here? Ehe! Tinoratidza kuti takachenjera patinoteerera mazano ake. (Zvi 16:3, 9) Asi mafungiro edu paanosiyana nezvatinoudzwa naMwari, zvinogona kutiomera kuti timuteerere. Tinogona kuwedzera kuvimba neuchenjeri hwaJehovha patinodzamisa pfungwa pazvinhu zvaakasika.—Zvi 30:24, 25; VaR 1:20.
ONA VHIDHIYO INONZI ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE? NEI MASVOSVE ASINGAVHARIRANI NZIRA PAANOFAMBA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Masvosve akawanda anowanzoitei zuva rega rega?
-
Zvii zvinoitwa nemasvosve kuti asavharirana nzira?
-
Vanhu vanogona kudzidzei pamafambiro anoita masvosve?
ONA VHIDHIYO INONZI ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE? KUBHURURUKA KUNOITA NYUCHI WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Vanhu vanosangana nematambudziko api pavanenge vachibhururuka nendege diki?
-
Nyuchi inoita sei kuti irambe ichibhururuka zvakadzikama kana kuine mhepo?
-
Vanhu vanogona kuzobatsirwa sei nekunzwisisa kubhururuka kunoita nyuchi?
Kwaunogara, ndezvipiwo zvaunoona pazvinhu zvakasikwa zvinoratidza uchenjeri hwaJehovha?