PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Ratidzai Rudo Rusingachinji
[Ratidzai vateereri vhidhiyo yeKusuma Bhuku raRute.]
Naomi akaudza Opa naRute kuti vadzokere kuMoabhi (Rut 1:8-13; w16.02 14 ¶5)
Rute akaramba kusiya Naomi naJehovha (Rut 1:16, 17; w16.02 14 ¶6)
Rudo rusingachinji runobva pakuzvipira, kuperera, kuvimbika, uye kuda munhu zvakadzama. Jehovha anoratidza rudo rwake rusingachinji kuvashumiri vake vakatendeka. (Pis 63:3) Isuwo tinofanira kuratidza vamwe rudo rusingachinji.—Zvi 21:21.