KURARAMA KWECHIKRISTU
Ziva Kuti Jehovha Achakuratidza Rudo Rusingachinji
Jehovha anokukoshesa. (Isa 43:4) Akaita kuti uuye kwaari uye kusangano rake. Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kwako kunoita kuti uve waJehovha. Achakuchengeta sepfuma yake inokosha kunyange panguva dzakaoma. Achakuratidza rudo rusingachinji achishandisa sangano rake.—Pis 25:10.
Tinogona kuwedzera kuonga kwatinoita rudo rwaJehovha rusingachinji nekutarisa zviri kuitwa nesangano rake panoitika njodzi dzinongoitika dzega.
ONA VHIDHIYO INONZI MASHOKO ANOBVA KUKOMITI YEVANORONGA—2019, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Komiti Yevanoronga inobatsira sei mahofisi emapazi pakugadzirira njodzi?
-
Sangano raJehovha rakapa mirayiridzo ipi uye rakabatsira sei pakaitika njodzi kuIndonesia uye kuNigeria?
-
Chii chaunonyanya kukoshesa pane zvakaitwa nesangano pachirwere cheCOVID-19?