SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI
Batsira Vadzidzi veBhaibheri Kupinda Misangano
Misangano yeungano inokosha chaizvo pakunamata kwakachena. (Pis 22:22) Vaya vanoungana pamwe chete kuti vanamate Jehovha vanowana mufaro uye makomborero. (Pis 65:4) Vadzidzi veBhaibheri vanowanzofambira mberi kana vakagara vachipinda misangano.
Ungabatsira sei vadzidzi vako veBhaibheri kuti vapinde misangano? Ramba uchivakoka kuti vapinde misangano. Varatidze vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? Tsanangura kubatsira kunoita misangano. (lff chidzidzo 10) Unogona kuvaudza pfungwa yawakadzidza pamusangano kana kuvaudza zvichadzidzwa pamusangano unotevera. Ipa vadzidzi vako zvichashandiswa pamusangano wacho. Vabatsirewo nezvimwe zvinhu. Zvimwe vanoda kubatsirwa kuenda kumisangano. Mudzidzi wako paachapinda musangano kekutanga uchaona kuti wakashandira zviripo.—1VaK 14:24, 25.
ONA VHIDHIYO INONZI BATSIRA VADZIDZI VAKO VEBHAIBHERI KUPINDA MISANGANO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Neeta akashandisa mukana upi kuti akoke Jade kumusangano weungano?
-
Nei tichifara mudzidzi weBhaibheri paanopinda misangano?
-
Jade akanzwa sei paakapinda musangano kekutanga?