KURARAMA KWECHIKRISTU
Shandisai Mazano eBhaibheri Kubatsira Vana Venyu Kuti Vabudirire
Vabereki vechiKristu vanoda kuti vana vavo vafare uye vanakidzwe nekushumira Jehovha. Vabereki vanogona kubatsira vavo kuti vabudirire kana vakashandisa mazano eBhaibheri pakuvadzidzisa.—Zvi 22:6.
-
Itai kuti vana venyu vanzwe vakasununguka kutaura zviri pamwoyo pavo.—Jak 1:19
-
Ivai mienzaniso yakanaka.—Dhe 6:6
-
Rambai muchishumira Jehovha.—VaE 6:4
ONAI VHIDHIYO INONZI VAKA IMBA ICHARAMBA YAKAMIRA—DZIDZISAI VANA VENYU ‘MAERERANO NENZIRA YAKAVAKODZERA,’ MOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Vabereki vangaratidza sei kuti vanonzwisisa?
-
Vabereki vangashandisa sei zano riri pana Jakobho 1:19?
-
Vabereki vanogona kuita sei panomuka matambudziko?