Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Gadzirira Iye Zvino Kuitira Kana Ukazongoerekana Wamhanyiswa Kuchipatara

Gadzirira Iye Zvino Kuitira Kana Ukazongoerekana Wamhanyiswa Kuchipatara

Kugadzirira kwakakosherei? Munhu anogona kungoerekana arwara kana kupinda mutsaona zvekuti anenge achifanira kumhanyiswa kuchipatara uye kutopiwa mubhedha. Saka zvakakosha kuti iye zvino ugare waronga zvauchada kuti zvizoitwa pakukurapa. Kuita izvi kunoratidza kuti unokoshesa upenyu uye mutemo waJehovha panyaya yeropa.—Mab 15:28, 29.

Zvii zvaungaita kuti ugadzirire?

  • Nyengetera uye nyatsofungisisa usati wazadza kadhi reropa rakanzi durable power of attorney (DPA). a Vaparidzi vakabhabhatidzwa vanogona kupiwa kadhi iri nehama inoona nezvemabhuku. Vanogonawo kupiwa kadhi rakanzi Identity Card (ic) kuitira vana vavo vadiki

  • Kana wakazvitakura, kumbira vakuru fomu rakanzi Information for Expectant Mothers (S-401). Fomu iri rinokubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka panyaya yekuti ucharapwa sei kana pakava nezvinoitika panguva yaunenge wakazvitakura kana kuti pakusununguka

  • Kana uchizofanira kurapwa zvimwe pachishandiswa ropa kana kuti uchifanira kupiwa mubhedha, udza vakuru vemuungano yako uye udza vepachipatara pacho kuti uchange uchizoshanyirwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha

Vakuru vanokubatsirawo sei? Vanogona kukubatsira kuzadza kadhi reDPA. Asi vakuru havakusarudziri zvekuita panyaya dzekurapwa kana kukuudza mafungiro avo panyaya dzinoda kuti munhu mumwe nemumwe azvisarudzire. (VaR 14:12; VaG 6:5) Kana ukaudza vakuru kuti paucharapwa panogona kumuka nyaya yeropa, vachabva vakurumidza kubata Komiti Yekukurukura Nezvipatara (HLC).

Komiti yeHLC inokubatsira sei? Hama dziri mukomiti yeHLC dzakadzidziswa kuti dzingabatsira sei vanoita zvekurapa uye vemitemo kunzwisisa zvatinotenda panyaya yeropa. Vanogona kutaura nevanhu vari kukurapa dzimwe nzira dzekurapa nadzo dzisingashandiswi ropa. Kana kuri kuti unoda chiremba anoremekedza zvido zvako, vanogona kukubatsira kutsvaga.

ONA VHIDHIYO INONZI KUSARUDZA MARAPIRWO AUNODA KANA PAMUKA NYAYA YEROPA, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

  • Zvii zvawadzidza kubva muvhidhiyo iyi zvinogona kukubatsira kuti unge wakagadzirira kana zvikaitika kuti uri kufanira kurapwa zvekukurumidzira uye kurapwa kwacho kungangoda kuti pashandiswe ropa?

a Chidzidzo 39 chebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chinogona kukubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya dzine chekuita nekurapwa dzinogona kuita kuti pade kushandiswa ropa.