Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

February 19-25

PISAREMA 8-10

February 19-25

Rwiyo 2 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Haiwa Jehovha, Ndichakurumbidzai”!

(10 min.)

Jehovha anotiitira zvakanaka chaizvo (Pis 8:3-6; w21.08 3 ¶6)

Tinorumbidza Jehovha patinoudza vamwe nezvemabasa ake anoshamisa (Pis 9:1; w20.05 23 ¶10)

Tinomurumbidzawo patinomuimbira nemwoyo wese (Pis 9:2; w22.04 7 ¶13)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Zvii zvimwe zvandingaita kuti ndirumbidze Jehovha?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 8:3—Munyori wepisarema airevei paakataura nezveminwe yaMwari? (it-1-E 832)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Saimba anokuudza kuti kutambura kwatiri kuita inzira yaMwari yekuti aone kuti kutenda kwedu kwakasimba zvakadii. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 4)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Pamakapedzisira kukurukura, munhu wacho akakuudza kuti kutambura kwatiri kuita inzira yaMwari yekuti aone kuti kutenda kwedu kwakasimba zvakadii asi anoda kuziva zvakawanda nezvenyaya yacho. (th chidzidzo 7)

6. Hurukuro

(5 min.) w21.06 6-7 ¶15-18—Musoro: Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Varumbidze Jehovha. (th chidzidzo 10)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 10

7. Kuparidza Zvisina Kurongwa Tichitaura Sezvatinoita Mazuva Ese

(10 min.) Kukurukura nevateereri.

Imwe nzira yatinowedzera nayo kurumbidza Jehovha ndeyekuparidzira vanhu vatinosangana navo patinenge tichiita mabasa edu ezuva nezuva. (Pis 35:28) Pakutanga, tinogona kutya kuparidza zvisina kurongwa. Asi patinodzidza kutaura nevanhu sezvatinoita mazuva ese, tinowedzera kuva neunyanzvi hwekuparidza zvisina kurongwa uye tinonakidzwa nazvo!

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Gara Wakagadzirira Kuparidza “Mashoko Akanaka Erugare”—Tanga Iwe Kukurukura Nevanhu, mobvunza vateereri kuti:

Chii chawadzidza muvhidhiyo iyi chinogona kukubatsira kuti ubudirire pakuparidza zvisina kurongwa?

Ona mazano anotevera anogona kukubatsira kutanga kukurukura nevanhu:

  •   Pese paunobva pamba, shandisa mukana wese waunowana kuti utange kukurukura nevanhu. Nyengetera nezvazvo uye kumbira Jehovha kuti akubatsire kuwana vanhu vanoda kuteerera mashoko eUmambo

  •   Iva neushamwari uye ratidza kuti unofarira vanhu vaunosangana navo. Edza kucherechedza chimwe chinhu nezvemunhu wacho chingakubatsira kuziva kuti ndechipi chokwadi cheBhaibheri chaangafarira

  •   Kana zvichiita, tsvaga mukana wekuti akupe nhamba dzake dzefoni kana kukuudza kwaanogara

  •   Usanetseka kana mukapedza kukurukura nemunhu wacho usati wamuparidzira

  •   Ramba uchifunga nezvemunhu wacho pashure pekunge wakurukura naye. Ramba uchiratidza kuti unomufarira kuburikidza nekumutumira link yeimwe vhesi yeBhaibheri kana kuti yeimwe nyaya iri pajw.org

Edza izvi: Kana mumwe munhu akakubvunza kuti, ‘Yanga iri sei weekend?,’ muudze chimwe chinhu chawakadzidza kumusangano kana kuti nezvebasa raunoita rekudzidzisa vanhu Bhaibheri.

8. Zvemuungano Yenyu

(5 min.)

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 65 Nemunyengetero