January 15-21
JOBHO 36-37
Rwiyo 147 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Nei Tiine Chokwadi Chekuti Vimbiso yaMwari Yekuti Tichararama Nekusingaperi Ichazadziswa?
(10 min.)
Jehovha anorarama nekusingaperi (Job 36:26; w15 10/1 13 ¶1-2)
Jehovha ane uchenjeri nesimba rekuita kuti zvinhu zvipenyu zvirambe zvichirarama (Job 36:27, 28; w20.05 22 ¶6)
Jehovha anotidzidzisa zvatinofanira kuita kuti tizowana upenyu husingaperi (Job 36:4, 22; Joh 17:3)
Kana tichinyatsotenda kuti Mwari achatipa upenyu husingaperi, tinokwanisa kutsungirira matambudziko atinosangana nawo muupenyu.—VaH 6:19; w22.10 28 ¶16.
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Job 37:20—Nhau nemamwe mashoko zvaiwanzofambiswa sei munyika dzinotaurwa muBhaibheri? (it-1-E 492)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Job 36:1-21 (th chidzidzo 2)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(3 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 3)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(4 min.) PAIMBA NEIMBA. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 5)
6. Kutsanangura Zvaunotenda
(5 min.) Hurukuro. ijwfq 57 ¶5-15—Musoro: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvakatambudzwa vaNazi Pavaiuraya vaJudha? (th chidzidzo 18)
Rwiyo 49
7. Gara Wakagadzirira Mamiriro Ezvinhu Angaita Kuti Ude Kurapwa Kana Kuoparetwa
(15 min.) Kukurukura nevateereri kunoitiswa nemukuru.
Sangano raJehovha rakatipa zvinhu zvinotibatsira kuti titeerere mutemo wake panyaya yeropa. (Mab 15:28, 29) Uri kuzvishandisa here?
Kadhi rakanzi Durable Power of Attorney (DPA) uye rakanzi Identity Card (ic): Makadhi aya anotsanangura zvinenge zvasarudzwa nemunhu panyaya yekushandisa ropa pakurapa. Vaparidzi vakabhabhatidzwa vanogona kuenda kuhama inoona nezvemabhuku vopiwa kadhi reDPA uyewo maIdentity Card evana vavo vachiri vadiki. Munhu anofanira kugara nekadhi rake nguva dzese. Kana usati wazadza kadhi rako kana kuti uine zvauri kuda kugadzirisa, usaverengera kuzviita.
Fomu rakanzi Information for Expectant Mothers (S-401) nerakanzi Information for Patients Requiring Surgery or Chemotherapy (S-407): Mafomu aya anogona kukubatsira kuti ugare wakagadzirira kuti ucharapwa sei uyewo kuti uderedze mamiriro ezvinhu angade kuti uwedzerwe ropa. Kumbira vakuru kuti vakupe fomu raunenge uchida kana wakazvitakura, uri kufanira kuoparetwa, kana kuti kurapwa chirwere chekenza.
Komiti Yekukurukura Nezvipatara (HLC): Vakuru vari muKomiti Yekukurukura Nezvipatara vakadzidziswa kukurukura navanachiremba nevaparidzi panyaya dzine chekuita neropa. Vanogona kukurukura nachiremba wako nezvemamwe marapirwo aunogona kuitwa pasingashandiswi ropa. Vanogonawo kutokubatsira kutsvaga chiremba anoremekedza chisarudzo chawakaita. Vanogara vakagadzirira kukubatsira chero nguva. Kurumidza kuzivisa hama dziri muHLC kana uri kuzogara muchipatara, kuoparetwa kana kuti kurapwa zvinhu zvakadai sekenza, kunyange zvazvo uchiona sekuti hapazomuki nyaya dzeropa. Izvi zvinoshandawo kumadzimai akazvitakura. Kana uchida kubatsirwa, kumbira mumwe mukuru kuti akupe nhamba dzeveHLC.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Makomiti Ekukurukura Nezvipatara Anotibatsira Sei?, mobvunza vateereri kuti:
Hama dziri muHLC dzingakubatsira sei kana uchida kurapwa kana kuoparetwa?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 4 ¶9-12, bhokisi riri papeji 34