January 22-28
JOBHO 38-39
Rwiyo 11 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Unombozvipa Nguva Yekuongorora Zvinhu Zvakasikwa Here?
(10 min.)
Pashure pekunge apedza kusika nyika, Jehovha akambomira achitarisa basa raakanga aita (Ge 1:10, 12; Job 38:5, 6; w21.08 9 ¶7)
Ngirozi dzakazvipa nguva yekuongorora zvinhu zvakasikwa naJehovha (Job 38:7; w20.08 14 ¶2)
Tinogona kuwedzera kuvimba kwatinoita naJehovha kana tikazvipa nguva yekuongorora zvinhu zvakasikwa tichiona kunaka kwazvakaita (Job 38:32-35; w23.03 17 ¶8)
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
-
Job 38:8-10—Mavhesi aya anotidzidzisei nezvaJehovha, Mwari anopa mutemo? (it-2-E 222)
-
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Job 39:1-22 (th chidzidzo 5)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Paunoona kuti munhu wacho haasi kuda zvekutaura, taura zvine mutsa wobva wamira kukurukura naye. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 3)
5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira
(5 min.) PAIMBA NEIMBA. Pamakapedzisira kuonana, munhu wacho akakuudza kuti achangobva kufirwa. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)
6. Hurukuro
(5 min.) lmd mashoko ekuwedzera A pfungwa 1—Musoro: Zvinhu Zviri Kuitika Mazuva Ano Neunhu Hwava Nevanhu Zviri Kuratidza Kuti Zvinhu Zvava Pedyo Kuchinja. (th chidzidzo 16)
Rwiyo 111
7. Kuongorora Zvinhu Zvakasikwa Kunotibatsira Kuti Tisangoisa Pfungwa Pamatambudziko Edu
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
Paakamomoterwa nematambudziko akabva kuna Satani uye paaipomerwa zvenhema neshamwari dzake nhatu, Jobho akatanga kungoisa pfungwa pamatambudziko uye pakutsoropodzwa kwaaiitwa.
Itai kuti mumwe ari muvateereri averenge Jobho 37:14, mobvunza kuti:
Jobho aifanira kuitei kuti atangezve kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha?
Patinonzwa kuti tamomoterwa nematambudziko, kuongorora zvinhu zvakasikwa kunotibatsira kuyeuka ukuru hwaJehovha, kunosimbisa chido chedu chekuramba takavimbika kwaari, uye kunoita kuti tiwedzere kuva nechivimbo chekuti anokwanisa kutichengeta.—Mt 6:26.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Zvidzidzo Zvatinowana Kubva Mubhuku raJobho—Mhuka, mobvunza vateereri kuti:
Vhidhiyo iyi yakubatsira sei kuti uwedzere kuvimba naJehovha?
8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) bt chits. 4 ¶13-20