Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

January 8-14

JOBHO 34-35

January 8-14

Rwiyo 30 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Paunoona Sekuti Zvinhu Zvakaipa Zviri Kungoitika Kune Vanhu Vakanaka

(10 min.)

Usambokanganwa kuti Jehovha haasi iye anokonzera zvinhu zvakaipa (Job 34:10; wp19.1 8 ¶2)

Zvinogona kuita sekuti vanhu vakaipa vari kungoita zvavanoda vasingarangwi; asi Jehovha anoona zvese zvavanoita (Job 34:21-26; w17.04 10 ¶5)

Nzira yakanakisisa yekubatsira vanhu vanenge vachibatwa zvisina kunaka ndeyekuvadzidzisa nezvaJehovha (Job 35:9, 10; Mt 28:19, 20; w21.05 7 ¶19-20)

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Job 35:7—Erihu airevei paakabvunza Jobho kuti: ‘Mwari anogamuchirei kwauri?’ (w17.04 29 ¶3)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 10 pfungwa 3)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ratidza munhu ane vana vadiki kuti angawana sei mashoko anobatsira vabereki pajw.org. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 4)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 58

7. Une Chido ‘Chekuparidza Shoko’ Zvisina Kurongwa Here?

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Paridza shoko; paridza uchiita zvekukurumidza.” (2Ti 4:2) Dzimwe nguva shoko rechiito rechiGiriki rakashandurwa kuti “uchiita zvekukurumidza” raishandiswa kureva musoja kana gadhi anenge akamira panzvimbo yake akagadzirira kuita basa rake nguva dzese. Shoko racho rinonyatsotsanangura chido chatiinacho chekuti pese patinokurukura nevanhu tikwanise kuvaparidzira.

Kuda kwatinoita Jehovha uye kutenda zvese zvaanotiitira kunoita kuti tide kuudza vamwe nezveunhu hwake hwakanaka.

Itai kuti mumwe ari muvateereri averenge Pisarema 71:8, mobvunza kuti:

Zvii zvaunofarira kuudza vamwe nezvaJehovha?

Kuda kwatinoita vanhu kunoitawo kuti tive nechido chekuparidza zvisina kurongwa.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Mawanire Akaita Mazana Evanhu Chokwadi cheBhaibheri, mobvunza vateereri kuti:

  •   Kuparidza zvisina kurongwa kwakabatsira sei mazana evanhu kuti awane chokwadi?

  •   Vanhu ava vaimbopinda imwe chechi vakabatsirwa sei pavakadzidza chokwadi?

  • Kuda vanhu kunotibatsira sei kuti tide kuparidza zvisina kurongwa?

  • Nei uchifunga kuti kuparidza zvisina kurongwa inzira inoshanda chaizvo yekubatsira vamwe kuti vazive Jehovha?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 138 Nemunyengetero