Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

February 24–March 2

ZVIREVO 2

February 24–March 2

Rwiyo 35 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Nei Uchifanira Kushanda Nesimba Pakudzidza Uri Wega?

(10 min.)

Kuti uratidze kuti unokoshesa chokwadi (Zvi 2:​3, 4; w22.08 18 ¶16)

Kuti ugone kuita zvisarudzo zvakanaka (Zvi 2:​5-7; w22.10 19 ¶3-4)

Kuti usimbise kutenda kwako (Zvi 2:​11, 12; w16.09 23 ¶2-3)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndingaitei kuti ndivandudze purogiramu yangu yekudzidza ndiri ndega?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Zvi 2:7—Jehovha “inhoo yevaya vanofamba vakaperera kwaari” pakudini? (it-1-E 1211 ¶4)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) PAIMBA NEIMBA. Ratidza munhu kuti angawana sei mashoko anobatsira vakaroorana pajw.org. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 3)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Ipa munhu wacho magazini inotaura nezvenyaya yaakafarira pamakapedzisira kukurukura. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 3)

6. Hurukuro

(5 min.) lmd mashoko ekuwedzera A pfungwa 8—Musoro: Murume nemudzimai vanofanira kuvimbika muwanano. (th chidzidzo 13)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 96

7. Unofarira Kutsvaga Pfuma Here?

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Vechidiki, Bhaibheri rinokukurudzirai kutsvaga pfuma inokosha kupfuura imwe yese. Ruzivo pamusoro paMwari ndiyo pfuma yacho inokosha. (Zvi 2:​4, 5) Munofarira here kutsvaga pfuma iyi? Kuti muiwane, munofanira kuwana nguva yekuverenga Bhaibheri mazuva ese uye kutsvakurudza nyaya dzamunenge maverenga. Kana mukaita izvi muchanakidzwa uye zvichakubatsirai.

  • Mibvunzo ipi yaunogona kuzvibvunza paunenge uchiverenga Bhaibheri? (w24.02 32 ¶2-3)

  • Zvii zvinogona kukubatsira kuti uwane mhinduro dzacho?

Mavhidhiyo anonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha anogona kukubatsira kuti uzive kuti ungadzamisa sei pfungwa dzako pane zvaunenge uchiverenga muBhaibheri.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Dzidza Kubva Kushamwari dzaJehovha—Abheri.

Verengai Genesisi 4:​2-4 uye VaHebheru 11:​4, mozobvunza vateereri kuti:

  • Abheri akaratidza sei kuti aiva shamwari yaJehovha?

  • Abheri akasimbisa sei kutenda kwake muna Jehovha?

  • Ungasimbisa sei kutenda kwako?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 102 Nemunyengetero