Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

January 20-26

MAPISAREMA 138-139

January 20-26

Rwiyo 93 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Usarega Kutya Kuchikutadzisa Kupindura Pamisangano

(10 min.)

Tinoda kurumbidza Jehovha nemwoyo wese (Pis 138:1)

Paunonzwa uchitya kupindura pamisangano, vimba naJehovha kuti akubatsire (Pis 138:3)

Kutya ikoko hakuna kuipa (Pis 138:6; w19.01 10 ¶10)

ZANO: Mhinduro pfupi inoita kuti usanyanya kutya kupindura.—w23.04 21 ¶7.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 139:​21, 22—VaKristu vanofanira kuregerera munhu wese here? (it-1-E 862 ¶4)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 3)

5. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(4 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womuratidza kuti tinodzidza sei. (lmd chidzidzo 10 pfungwa 3)

6. Hurukuro

(5 min.) ijwyp nyaya 105—Musoro: Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichinyara? (th chidzidzo 16)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 59

7. Unogona Kunakidzwa Nekushumira Jehovha Kunyange Zvazvo Uri Munhu Anonyara

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Uri munhu anonyara here? Haufariri kuita zvinhu zvinoita kuti vanhu vaise pfungwa pauri here? Unonyara kutaura nevanhu here? Dzimwe nguva kunyara kunogona kuita kuti titadze kuita zvinhu zvatinenge tichida kuita. Asi vanhu vakawanda vanonyara vakasvika pakukwanisa kuudza vamwe mashoko akanaka uye kutonakidzwa neushumiri hwavo. Tinodzidzei kuvanhu ivavo?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kupa Zvese Zvangu Pasinei Nekunyara, mobvunza vateereri kuti:

  • Hanzvadzi Lee vakabatsirwa sei nekukurudzirwa kwavakaitwa nambuya vavo kuti vaite zvese zvavanogona pakushumira Jehovha?

Bhaibheri rinoratidza kuti Mozisi, Jeremiya, naTimoti vanogona kunge vaiva vanhu vanonyara. (Eks 3:11; 4:10; Jer 1:​6-8; 1Ti 4:12) Pasinei naizvozvo, vakakwanisa kuita mabasa makuru pakushumira Jehovha vachibatsirwa naye. (Eks 4:12; Jer 20:11; 2Ti 1:​6-8)

Verengai Isaya 43:​1, 2, mobvunza vateereri kuti:

  • Jehovha anovimbisei vashumiri vake?

Mazuva ano, Jehovha anobatsira sei vashumiri vake vanonyara?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Kubhabhatidzwa Kunoita Sei Kuti Uwedzere Kuva Nemufaro—Chidimbu, mobvunza vateereri kuti:

  • Hanzvadzi Jackson vakabatsirwa sei naJehovha kuti vaite ushumiri hwavo?

  • Basa reushumiri rinobatsira sei munhu anonyara?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 151 Nemunyengetero