Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

January 27–February 2

MAPISAREMA 140-143

January 27–February 2

Rwiyo 44 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Ita Zvinoenderana Nezvaunenge Wanyengeterera

(10 min.)

Bvuma mazano aunopiwa (Pis 141:5; w22.02 12 ¶13-14)

Fungisisa mabasa aJehovha ekuponesa (Pis 143:5; w10 3/15 32 ¶4)

Edza kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha (Pis 143:10; w15 3/15 32 ¶2)

Mapisarema 140-143 anotaura zvikumbiro zvaDhavhidhi zvekuda kubatsirwa uyewo mashoko anoratidza kuti Dhavhidhi akaita zvinoenderana nezvaaikumbira.

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 140:3—Nei Dhavhidhi achifananidza rurimi rwevakaipa nerurimi rwenyoka? (it-2-E 1151)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Tanga wabatsira munhu pane zvimwe zvinhu zvaari kuda kubatsirwa wozokurukura naye zveBhaibheri. (lmd chidzidzo 3 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(3 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Munhu wacho anokuudza kuti haana nguva. (lmd chidzidzo 7 pfungwa 3)

6. Kutsanangura Zvaunotenda

(5 min.) Muenzaniso. ijwfq nyaya 21—Musoro: Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingabvumi Kuwedzerwa Ropa? (th chidzidzo 7)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 141

7. Gara Wakagadzirira Mamiriro Ezvinhu Angaita Kuti Ude Kurapwa Kana Kuoparetwa

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Jehovha anovimbisa kuti achava “rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika.” (Pis 46:1) Vanhu vanogona kunetseka kana pakava nemamiriro ezvinhu anoita kuti mumwe ade kurapwa kana kuoparetwa. Asi Jehovha akatipa zvese zvatinoda kuti tigare takagadzirira kana izvozvo zvikaitika. Semuenzaniso, sangano rake rakatipa makadhi eDurable Power of Attorney (DPA), maIdentity Card, a mamwe mashoko ane chekuita nezvekurapwa b uyewo Makomiti Ekukurukura Nezvipatara (HLC). Zvese izvi zvinotibatsira kuteerera mutemo waMwari panyaya yeropa.—Mab 15:​28, 29.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Wakasarudza Here Marapirwo Aunoda Kuitwa?, mobvunza vateereri kuti:

  • Vamwe vakabatsirwa sei nekugara vazadza kadhi reDPA?

  • Vamwe vakabatsirwa sei nefomu rinonzi Mashoko Kuna Vanamai Vane Pamuviri (S-401)?

  • Zvakanakirei kukurumidza kuzivisa hama dziri muHLC, kana uri kuzogara muchipatara, kuoparetwa kana kuti kurapwa zvinhu zvakadai sekenza, kunyange zvazvo uchiona sekuti hapazomuki nyaya dzeropa?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 103 Nemunyengetero

a Vaparidzi vakabhabhatidzwa vanogona kuenda kuhama inoona nezvemabhuku vopiwa kadhi reDPA uyewo maIdentity Card evana vavo vachiri vadiki.

b Unogona kukumbira vakuru vemuungano yenyu mafomu anotevera: Mashoko Kuna Vanamai Vane Pamuviri (S-401), Mashoko Kuvarwere Vari Kufanira Kuitwa Oparesheni Kana Chemotherapy (S-407), uye Mashoko Kuvabereki Vane Vana Vanenge Vachida Kurapwa (S-55).