Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

January 6-12

MAPISAREMA 127-134

January 6-12

Rwiyo 134 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Vabereki, Rambai Muchichengetedza Nhaka Inokosha Yamakapiwa

(10 min.)

Vabereki vanogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achavabatsira pakuriritira mhuri dzavo (Pis 127:​1, 2)

Vana chipo chinokosha chinobva kuna Jehovha (Pis 127:3; w21.08 5 ¶9)

Dzidzisai mwana mumwe nemumwe zvinoenderana naye (Pis 127:4; w19.12 27 ¶20)

Jehovha anofara chaizvo vabereki pavanovimba naye uye pavanoshanda nesimba kurera vana vavo

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 128:3—Nei munyori wepisarema akati vana vakaita senhungirwa dzemuti wemuorivhi? (it-1-E 543)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 3)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Munhu ari kuparidzirwa anotaura zvinhu zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 4)

6. Kuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi

(5 min.) lff chidzidzo 16 pfungwa 4-5. Kurukura nemudzidzi wako weBhaibheri zvawakaronga kuti arambe achidzidza paunenge wambofamba. (lmd chidzidzo 10 pfungwa 4)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 13

7. Vabereki, Muri Kudzidzisa Vana Venyu Muchishandisa Nzira Iyi Inobudirira Here?

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Sangano raJehovha rakabudisa zvinhu zvakawanda kuti ribatsire vabereki kudzidzisa vana vavo nezvaJehovha. Asi imwe nzira inobudirira chaizvo pakudzidzisa vana ndeyekuva muenzaniso wakanaka.—Dhe 6:​5-9.

Jesu aishandisawo nzira iyi pakudzidzisa vadzidzi vake.

Verengai Johani 13:13-15, mobvunza vateereri kuti:

  • Nei uchifunga kuti nzira iyi yakashandiswa naJesu yakabudirira?

Mwana wako anonyatsobata zvaunomudzidzisa paanokuonawo uchizviita. Zvaunoita zvinobatsira kuti vana vako vakoshese zvaunovadzidzisa uye vazviite.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Vana Vanotevedzera Zvatinoita, mobvunza vateereri kuti:

  • Hama nahanzvadzi Garcia vakadzidzisa vanasikana vavo zvidzidzo zvipi zvinokosha?

  • Vhidhiyo iyi yakukurudzira sei kuti udzidzise vana vako nezvaunoita?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 73 Nemunyengetero