Mharidzo Dzekuenzanisira
NHARIREYOMURINDI
Mubvunzo: Hamufungiwo here kuti kana Bhaibheri riri Shoko raMwari, vanhu havambokwanisi kuriparadza?
Rugwaro: Isa 40:8
Zvekutaura: Magazini ino iri kutaura zvakaitika kuti Bhaibheri rirambe riripo kusvikira nhasi.
NHARIREYOMURINDI (peji yekupedzisira)
Mubvunzo: Ndinoda kunzwa kuti munotiwo kudii nezvemubvunzo uyu. [Verenga mubvunzo wokutanga uri papeji 16.] Vamwe vanofunga kuti zvokunamata zvakatangwa nevanhu. Vamwe vanoti Mwari anoshandisa zvitendero kuti abatsire vanhu kuswedera pedyo naye. Munotiwo kudii?
Rugwaro: Jak 1:27
Zvekutaura: Nyaya iyi ine zvimwe zvainotsanangura zvinotaurwa neBhaibheri. Ndingada kuzodzoka kuti tizokurukura zvimwe zviri munyaya iyi.
MASHOKO AKANAKA ANOBVA KUNA MWARI!
Mubvunzo: Vanhu vakawanda vanoona sokuti kuverenga uprofita huri muBhaibheri kwakafanana nokuverenga pepanhau. Pazvinhu izvi zvakagara zvataurwa, ndezvipi zvamakaona kana kunzwawo?
Rugwaro: 2Ti 3:1-5
Zvekutaura: Bhuku iri rinotsanangura kuti nei zvinhu izvi ari mashoko akanaka kune vanhu vanoda Mwari. [Muratidze chidzidzo 1, mubvunzo 2.]
NYORAWO MHARIDZO YAKO
Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.