KURARAMA KWECHIKRISTU
Wadii Kumbozviedza Kwegore Rimwe Chete?
Kuedza chii? Upiyona hwenguva dzose! Uchawana makomborero akazowanda!—Zvi 10:22.
KANA UKAPAYONA, UNOGONA . . .
-
kuwedzera unyanzvi hwekuparidza uye uchawedzera kunakidzwa neushumiri
-
kusimbisa ukama hwako naJehovha. Pauchagara uchiudzawo vamwe nezvake, uchawedzera kuona kunaka kwake
-
kugutsikana nekutanga kutsvaka Umambo uye uchawana mufaro unobva pakubatsira vamwe.—Mt 6:33; Mab 20:35
-
kupinda musangano wemapiyona unoitwa panoshanya mutariri wedunhu, musangano wemapiyona unoitwa vhiki regungano redunhu, uye Chikoro Chebasa Roupiyona
-
kuva nemikana yakawanda yekutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri
-
kuwedzera nguva yaunenge uchishanda nevamwe vaparidzi muchikurudzirana.—VaR 1:11, 12