Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 10-11

Mufananidzo wemuSamariya Akanaka

Mufananidzo wemuSamariya Akanaka

10:25-37

Jesu akataura mufananidzo uyu paakabvunzwa kuti: “Muvakidzani wangu anombova ani?” (Ru 10:25-29) Aiziva kuti muungano yechiKristu maizova nevanhu vakasiyana-siyana kusanganisira vaSamariya nevanhu vemamwe marudzi. (Joh 12:32) Mufananidzo uyu wakadzidzisa vateveri vake kuti vanofanira kuda vanhu vese kunyange vaya vasiri verudzi rwavo.

ZVIBVUNZE KUTI:

  • ‘Ndinoona sei hama nehanzvadzi dzine tsika dzakasiyana nedzangu?’

  • ‘Ndinowanzotandara nevanhu vanofarira zvandinofarirawo here?’

  • ‘Ndinokwanisa kushamwaridzana nevamwe vaKristu vane tsika dzakasiyana nedzangu here?’ (2VaK 6:13)

Ndinoda kukoka - kuti . . .

  •  ndishande naye muushumiri

  •  auye kuzodya kumba kwedu

  •  auye patichaita Kunamata Kwemhuri