“Munokosha Kupfuura Shiri Diki Zhinji”
Nemhaka yei Jesu akataura mashoko ari pana Ruka 12:6, 7? Muvhesi 4, Jesu akaudza vateveri vake kuti vasatya vanhu vaigona kuvapikisa kana kuti kutovauraya. Akanga ari kubatsira vadzidzi vake kuti vagare vakagadzirira kupikiswa. Akavavimbisa kuti Jehovha anokoshesa mushumiri wake mumwe nemumwe uye kuti haazombobvumiri kuti kutenda kwavo kuparare.
Tingatevedzerawo sei Jehovha pakuratidza rudo kune vaya vari kutambudzwa?
Ndekupi kwatingawana mashoko matsva anoratidza Zvapupu zvakasungirwa kutenda?
Iye zvino kune hama nehanzvadzi - dzakasungwa.