Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 8-9

Iva Muteveri Wangu—Zvii Zvinodiwa?

Iva Muteveri Wangu—Zvii Zvinodiwa?

9:62

Kuti murimi aite miforo yakatwasuka, haafaniri kuvhiringidzwa nezviri kumashure. MuKristu haafaniriwo kuvhiringidzwa nezvinhu zviri munyika zvaakasiya.—VaF 3:13.

Patinosangana nematambudziko, zviri nyore kufunga kuti “mazuva ekare aiva nani,” zvimwe pataiva tisati tawana chokwadi. Tinenge tichifunga kuti matambudziko ekare ainge asina kunyanya kukura uye kuti taifara chaizvo. Ndozvakaitwa nevaIsraeri pavakabuda muIjipiti. (Nu 11:5, 6) Kana tikaramba tichifunga izvozvo, tinogona kupedzisira tadzokera kumararamiro ataiita kare. Zvakakosha chaizvo kuti tifunge nezvemakomborero atiri kuwana uye mufaro watichawana mune ramangwana!—2VaK 4:16-18.