KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Sei Rudo rwaMwari?
Tinogona kuwandirwa nezvekuita muupenyu zvekuti tinotadza kuwana nguva yekumbofunga nezvekuti zvinhu zvakasikwa zvinoratidza sei rudo rwaJehovha uye rupo rwake. Asi Jesu anotikurudzira kuti ticherechedze zvinhu zvakasikwa tofunga kuti zvinotidzidzisei nezvaJehovha.—Mt 6:25, 26.
ONA VHIDHIYO INONZI ZVINHU ZVAKASIKWA ZVINORATIDZA RUDO RWAJEHOVHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Wadzidzei nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha kubva . . .
-
pazvinhu zvinoshandiswa pakugadzira zvese zviri panyika?
-
pamhepo yakapoteredza nyika?
-
pauswa?
-
pamasikirwo akaitwa mhuka?
-
pakukwanisa kuona, kunzwa, kunhuhwidza, kuravidza uye kubata?
-
papfungwa dzedu?