Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Taura Zvinobaya Mwoyo

Taura Zvinobaya Mwoyo

Kuteerera Mwari kunobva mumwoyo. (Zvi 3:1) Saka patinenge tichidzidzisa, tinofanira kusvika pamwoyo yevateereri vedu. Tingazviita sei?

Usangodzidzisa mudzidzi wako chokwadi chiri muBhaibheri, asi mubatsire kuona kuti zvaari kudzidza zvinoshanda sei muupenyu hwake uye kuti zvingamubatsira sei kuti ave neushamwari naJehovha. Mubatsire kuti anzwisise kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvinoratidza sei kuti Jehovha ndiMwari ane rudo, akanaka uye akarurama. Taura naye zvakanaka, uchimubvunza mibvunzo inomubatsira kuti azviongorore kuti ari kunzwa sei nezvaari kudzidza. Mubatsire kuti aone kunaka kunogona kuita upenyu hwake kana akachinja maonero aanoita zvimwe zvinhu zvisingadiwi naMwari. Paunoona mudzidzi wako achida Jehovha nemwoyo wese, mufaro wako uchawedzera.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUTAURA ZVINOBAYA MWOYO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Nei Neeta akabvunza Jade kuti: “Pane zvatakakurukura musi weMonday pane zvawakazombofunga here?”

  • Neeta akabatsira sei Jade kunzwisisa kuti mitemo yaMwari inoratidza sei kuti Jehovha anomuda?

  • Kana tikataura zvinosvika pamwoyo wemudzidzi wedu, zvichamubatsira kuti ave neushamwari naJehovha

    Neeta akabatsira sei Jade kuti angaratidza sei kuti anoda Mwari?