KURARAMA KWECHIKRISTU
Tinogona Kuva Neushingi
Munhu anonzi akashinga anenge akasimba, anotsungirira, uye haatyi nhando. Izvi hazvirevi kuti anenge asingatyi zvachose. Asi zvinoreva kuti anoita chimwe chinhu pasinei nekuti ari kutya. Jehovha ndiye anotipa ushingi. (Pis 28:7) Vechidiki vangaratidza sei ushingi?
ONA VHIDHIYO INONZI TEVEDZERA VANHU VAIVA NEUSHINGI, KWETE MAKWARA! WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTI:
-
Ndezvipi zvinhu zvinosangana nevechidiki zvinoda kuti vave neushingi?
-
Inyaya dzipi dzemuBhaibheri dzinotibatsira kuti tive neushingi?
-
Kuva neushingi kunotibatsira sei uye kunobatsirawo sei vaya vanoticherechedza?