KURARAMA KWECHIKRISTU
Ona Vakadzi Vakuru Savanaamai, Vakadzi Vadiki Sehanzvadzi
Magwaro anotiudza kuti tione vaKristu vechikuru savanaamai navanababa vedu, uye vechidiki sevana vemumba medu. (Verenga 1 Timoti 5:1, 2.) Hama dzinofanira kubata hanzvadzi neruremekedzo.
Hama haifaniri kuita seinoda imwe hanzvadzi asi ichitamba zvayo, kana kuita zvimwe zvinhu zvinoita kuti hanzvadzi isanzwa yakasununguka kwairi. (Job 31:1) Kana hama inenge isina kuroora isingadi kudanana nemumwe munhu haifaniri kuita zvinhu zvinoita kuti hanzvadzi isina kuroorwa ifunge kuti hama iyi iri kuida.
Kana hanzvadzi ikabvunza mubvunzo zvine ruremekedzo kana kuti ikataura chimwe chinhu chingada kuti vakuru vaongorore, vakuru vacho vanofanira kufunga nezvazvo. Vakuru vanofanirawo kunyanya kuva nehanya nevaya vasina varume vanovadzivirira.—Rut 2:8, 9.
ONA VHIDHIYO INONZI RATIDZA RUDO RUSINGAPERI MUUNGANO—KUCHIRIKADZI NENHERERA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Ungano yakaratidza sei rudo rwakakura kuna Hanzvadzi Myint?
-
Rudo rwakaratidzwa neungano rwakapa sei uchapupu kuvanhu vemunharaunda?
-
Rudo rwakaratidzwa neungano rwakabatsira sei vanasikana vaHanzvadzi Myint?
Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti une hanya nehanzvadzi dzemuungano menyu?