Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Nzwira Vanhu Tsitsi

Nzwira Vanhu Tsitsi

Kunzwira tsitsi zvinoreva kukwanisa kunzwisisa mafungiro evamwe, manzwiro avo, zvavanokoshesa uye kuziva zvavanenge vachida kubatsirwa nazvo. Vamwe vanhu vanozviona kana tichivanzwira tsitsi. Kunyatsoda kuvabatsira kunoita kuti tivanzwire tsitsi. Kana tikanzwira vanhu tsitsi muushumiri, tinenge tichitevedzera Jehovha pakuratidza rudo uye pakuva nehanya nevanhu. Izvi zvinoita kuti vanhu vade kuziva nezvaMwari.—VaF 2:4.

Kunzwira vamwe tsitsi hakungogumiri mupfungwa dzemunhu; kunooneka nekuteerera kwatinoita mudzidzi, matauriro edu, uye zvatinoita chiso chedu nemuviri wedu. Tinoratidza kuti tinonzwira tsitsi patinova nehanya nemumwe munhu. Tinocherechedza zvaanofarira, zvaanotenda uye kuti zvinhu zvakamumirira sei. Tinomupa mazano uye tinomubatsirawo pane zvimwe zvinhu asi hatimumanikidzi kuti achinje. Kana vanhu vatinoparidzira vakatibvumira kuti tivabatsire, tinowedzera kufara muushumiri.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUNZWIRA VANHU TSITSI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Neeta akaratidza sei kunzwira tsitsi, Jade paakanonoka?

  • Neeta akaratidza sei kunzwira tsitsi, Jade paakati aiva nezvaimunetsa zvekuti aisakwanisa kudzidza?

  • Kana tikanzwira vanhu tsitsi vachada kudzidza nezvaJehovha

    Neeta akaratidza sei kunzwira tsitsi, Jade paakati akanga asina kurongeka?