Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mambo Soromoni achitarisa mafambiro ari kuita basa rekuvaka temberi

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Vakashanda Nesimba Pakuvaka Nekuti Vaida Jehovha

Vakashanda Nesimba Pakuvaka Nekuti Vaida Jehovha

Soromoni akashandisa zvinhu zvemhando yepamusoro pakuvaka temberi (1Mad 5:6, 17; w11 2/1 15)

Vanhu vakawanda vakabatsira pabasa racho (1Mad 5:13-16; it-1-E 424; it-2-E 1077 ¶1)

Soromoni nevaIsraeri vakashanda nesimba kwemakore 7 kuti vapedze basa racho (1Mad 6:38; ona mufananidzo uri pakavha)

Kuda Jehovha kwakaita kuti Soromoni nevaIsraeri vakwanise kuvaka temberi yakanaka kuti Jehovha akudzwe. Zvinosuwisa kuti zvizvarwa zvakazotevera zvakanga zvisina chido chakasimba chekunamata Jehovha. Vakanga vasisiri kugadziridza temberi yacho kuti irambe yakanaka uye yakatozopedzisira yaparadzwa.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Zvii zvandiri kuita kuti ndirambe ndiine chido chakasimba chekunamata Jehovha?’