Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

Munyengetero waSoromoni Waibva Pasi Pemwoyo Uye Wairatidza Kuzvininipisa

Munyengetero waSoromoni Waibva Pasi Pemwoyo Uye Wairatidza Kuzvininipisa

Temberi payakakumikidzwa, Soromoni akanyengetera nemwoyo wese ari pamberi pevanhu (1Mad 8:22; w09 11/15 9 ¶9-10)

Soromoni akarumbidza Jehovha uye haana kuita kuti mbiri iuye kwaari iye (1Mad 8:23, 24)

Soromoni akanyengetera achizvininipisa (1Mad 8:27; w99 1/15 17 ¶7-8)

Soromoni akatisiyira muenzaniso wekuti titevedzere, kunyanya kana tiri vaya vane ropafadzo yekunyengetera paruzhinji. Tinofanira kunyanya kuisa pfungwa pakuti Jehovha anoona sei munyengetero wedu kwete pakuti vanhu vanouona sei.