KURARAMA KWECHIKRISTU
Uri Kuona Here Kupindurwa Kuri Kuitwa Minyengetero Yako?
MuBhaibheri mune minyengetero yakawanda yakapindurwa naJehovha. Zviri pachena kuti vashumiri vaMwari pavaiona kuteerera kwaiita Jehovha zvikumbiro zvavo uye kuvabatsira kwaaiita, kutenda kwavo kwaibva kwawedzera kusimba. Saka zvakakosha kuti paunonyengetera uri wega unyatsotaura chaizvo zvauri kuda. Kana wadaro, chiedza kuona kuti Jehovha ari kukupindura sei. Asi unofanira kuyeuka kuti mhinduro yake inogona kusiyana nezvatinenge takumbira kana kuti anogona kutotipa zvakawanda kupfuura zvatanga tamukumbira. (2VaK 12:7-9; VaE 3:20) Jehovha anopindura sei minyengetero yedu?
-
Anogona kutipa simba uye kuita kuti tigadzikane mupfungwa kuitira kuti tikwanise kutsungirira dambudziko redu.—VaF 4:13
-
Anogona kutipa uchenjeri kuti tiite zvisarudzo zvakanaka.—Jak 1:5
-
Anogona kutipa chido nesimba rekuita chimwe chinhu.—VaF 2:13
-
Anogona kutipa rugare rwemupfungwa kana tiine zviri kutidya mwoyo.—VaF 4:6, 7
-
Anogona kuita kuti vamwe vatibatsire nezvatinoda kana kutikurudzira.—1Jo 3:17, 18
ONA VHIDHIYO INONZI JEHOVHA “MUNZWI WEMUNYENGETERO,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Muenzaniso wahama Shimizu unotikurudzira sei kana tisingachakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yekurwara?
-
Tingatevedzera sei hama Shimizu?