KURARAMA KWECHIKRISTU
Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira
Hama dzinoshanda nesimba kuti dzinyore mharidzo dzekuenzanisira uye vaparidzi vakawanda vari kuona kuti mharidzo dzacho dzinoshanda chaizvo mundima dzavo. Asi sezvo mamiriro ezvinhu akasiyana munyika dzakawanda, vaparidzi vanogona kuchinja mubvunzo, rugwaro, pekuzotangira kana kutochinja nyaya iri mumharidzo yacho kuti zvienderane nendima yavo pavanenge vari muushumiri. Asi kana paine mushandirapamwe unokosha, vaparidzi vanofanira kutevedzera mirayiridzo yezvinenge zvichiitwa pamushandirapamwe wacho. Chinangwa chedu ndechekuparidza mashoko akanaka eUmambo sezvakarayirwa naJesu.—Mt 24:14.
Pavanenge vachiita hurukuro dzevadzidzi, vaparidzi vanofanira kutaura nyaya iri mumharidzo yekuenzanisira iri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Semuenzaniso, muna July naAugust, nyaya iri mumharidzo yekuenzanisira iri kutaura nezvechinangwa chaMwari. Asi vakasununguka kuchinja mubvunzo, rugwaro kana kuti pekuzotangira kuti zvienderane nendima yavo kunze kwekunge paine mimwe mirayiridzo inenge yataurwa. Izvi zviri kuchinja mirayiridzo yaiva papeji 8 muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa yaJune 2020.