Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU | RONGA ZVAUNODA KUZOITA MUGORE REBASA RIRI KUUYA

Ronga Zvaunoda Kuzoita Mugore Rebasa Riri Kuuya—Tamira Kunodiwa Vaparidzi Vakawanda

Ronga Zvaunoda Kuzoita Mugore Rebasa Riri Kuuya—Tamira Kunodiwa Vaparidzi Vakawanda

Zvinoda kutenda kuti ubve munzvimbo yawakajaira uchienda kuine imwe nzvimbo kuti uwedzere ushumiri hwako. (VaH 11:8-10) Kana uri kufunga nezvekutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda, taura nevakuru vemuungano yako. Zvii zvingakubatsira pakusarudza nzvimbo yekuenda uye kuona kana uchikwanisa kuzozadzisa chinangwa chako? Verenga nyaya dzakabudiswa nesangano dzinotaura nezvekutamira kunodiwa vaparidzi. Taura nevamwe vakatotamira kune imwe ungano kuti vanobatsira ikoko. (Zvi 15:22) Nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire. (Jak 1:5) Tsvakurudza nezvenzvimbo yauri kufunga kuzotamira uye kana zvichiita imboshanyira nzvimbo yacho womboita mazuva uriko, usati waita chisarudzo.

ONA VHIDHIYO INONZI PINDA SUO REBASA UINE KUTENDA—TAMIRA KUNODIWA VAPARIDZI VAKAWANDA, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

  • Gabriel aifanira kuchinja zvinhu zvipi muupenyu hwake, uye zvii zvakamubatsira?