Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU | RONGA ZVAUNODA KUZOITA MUGORE REBASA RIRI KUUYA

Ronga Zvaunoda Kuzoita Mugore Rebasa Riri Kuuya—Kupayona

Ronga Zvaunoda Kuzoita Mugore Rebasa Riri Kuuya—Kupayona

Kana tikaronga kuwedzera zvatinoita mubasa raJehovha, tinenge tichishandisa simba redu zvakanaka. (1VaK 9:26) Kuva nezvinangwa kunotibatsira kuti tishandise nguva nekuchenjera sezvo mugumo wenyika ino wava pedyo. (VaE 5:15, 16) Pakunamata kwemhuri, munogona kuronga zvamunoda kuzoita mugore rebasa riri kuuya. Gore rebasa rinotanga musi wa1 September kusvika musi wa31 August. Kuti zvikuitirei nyore, purogiramu ino yezvekuita uye zvichadzidzwa ine nyaya dzinotaura zvimwe zvamunogona kuronga kuzoita uye kunyengetera nezvazvo.—Jak 1:5.

Semuenzaniso, mhuri yese inogona kutsigirana kuti ibatsire mumwe wemumhuri kuti atange kupayona. Kana uchityira kuti unogona kutadza kuzosvitsa maawa anodiwa, taura nemamwe mapiyona ane mamiriro ezvinhu akafanana neako. (Zvi 15:22) Munogona kukoka mumwe piyona pamunenge muchiita kunamata kwemhuri mokurukura naye. Chibvai manyora pasi purogiramu dzakasiyana-siyana dzamunogona kushandisa kuti musvitse maawa anodiwa. Kana wakambopayona, imbozviongorora kuti uone kana ungakwanisa kutangazve kupayona.

Vamwe vari mumhuri vanogona kuita upiyona hwebetsero kwemwedzi mumwe chete kana kupfuura here? Kana uine utano husina kunyatsonaka, unogona kushanda sapiyona webetsero kana ukaita maawa mashoma zuva rega rega uri muushumiri. Kana usingakwanisi kubuda muushumiri pakati pevhiki nemhaka yekuti unoenda kubasa kana kuti kuchikoro, unogona kusarudza kupayona mwedzi unenge uine zororo kana kuti kupera kwevhiki kushanu. Makai pakarenda mwedzi yamunoda kuita upiyona hwebetsero, monyora purogiramu yekuti muchazviita sei.—Zvi 21:5.

ONAI VHIDHIYO INONZI IVA NEUSHINGI . . . PIYONA, MOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

  • Jehovha akabatsira sei hanzvadzi Aamand, uye izvi zvinotidzidzisei?