Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Mushandirapamwe Unokosha Wekuzivisa nezveUmambo hwaMwari Muna September!

Mushandirapamwe Unokosha Wekuzivisa nezveUmambo hwaMwari Muna September!

Muna September, tichashanda nesimba pakuita kuti vanhu vazive kuti Umambo hwaMwari ndihwo hwega huchagadzirisa matambudziko evanhu. (Mt 24:14) Zvii zvaungaitawo pamushandirapamwe uyu? Verengera vanhu vakawanda sezvinobvira vhesi inotaura nezveUmambo hwaMwari mumwedzi uyu. Kana munhu aratidza kufarira, mupe magazini yeNharireyomurindi Nhamba 2 2020. Kurumidza kudzokera kunoona munhu wacho, uye edza kutanga chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Vaya vanenge vachishanda semapiyona ebetsero mumwedzi waSeptember vanogona kusarudza kuita maawa 15 kana kuti 30.

Umambo hwaMwari hwava pedyo kuparadza hurumende dzese. (Dha 2:44; 1VaK 15:24, 25) Dai tese tikashandisa mukana uyu kuti tiratidze kuti tinotsigira Jehovha neUmambo hwake!