KURARAMA KWECHIKRISTU
Une Zvinangwa Zvipi Mugore Rebasa Idzva?
Zvinangwa zvekunamata zvinosanganisira chero chii zvacho chatinoshanda nesimba kuti tizadzise mubasa raJehovha kuti tinyatsomushumira zvizere uye timufadze. Patinoshandisa nguva yedu nesimba kuti tizadzise zvinangwa izvi, tinenge tichishandira zviripo uye zvinoita kuti tive vaKristu vakasimba pakunamata. (1Ti 4:15) Tinofanira kugara tichiongorora zvinangwa zvedu nekuti mamiriro ezvinhu anochinja. Tinogona kuona kuti hatichakwanisi kuzadzisa zvinangwa zvataiva nazvo, kana kuti tinogona kunge tazvizadzisa saka tinenge tava kufanira kuva nezvimwe zvitsva.
Zvakanaka kuongorora zvinangwa zvedu gore rebasa idzva risati ratanga. Madii kukurukura nyaya iyi pakunamata kwenyu kwemhuri mova nezvinangwa zvemunhu mumwe nemumwe uye zvemhuri?
Ndezvipi zvawakaronga kuita pazvinhu zvinotevera, uye matanho api auchatora kuti uzviite?
Kuverenga Bhaibheri, kudzidza uri wega, kupinda misangano, kupindura pamisangano.—w02 6/15 14-15 ¶14-15
Ushumiri.—w23.05 27 ¶4-5
Unhu hwechiKristu.—w22.04 23 ¶5-6
Zvimwewo: