Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tevedzera Rudo Rusingachinji rwaJehovha

Tevedzera Rudo Rusingachinji rwaJehovha

Jehovha ndiye muenzaniso mukuru pakuratidza rudo rusingachinji. (Pis 103:11) Rudo urwu harusi rwuya rwekungonzwa kufarira munhu zvobva zvatopfuura. Rudo rusingachinji runosanganisira kuramba uchida munhu zvakadzama. Jehovha akaratidza rudo urwu kuvanhu vake vaIsraeri nenzira dzakawanda. Akavasunungura kubva muuranda hweIjipiti akavaendesa kuNyika Yakapikirwa. (Pis 105:42-44) Airwira vanhu vake uye aigara achivaregerera pavaimutadzira. (Pis 107:19, 20) Kana ‘tikanyatsofungisisa mabasa aJehovha anoratidza rudo rusingachinji’ tinobva tada kumutevedzerawo.—Pis 107:43.

ONA VHIDHIYO INONZI “FUNGISISA MABASA AJEHOVHA ANORATIDZA RUDO RUSINGACHINJI,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Tingaratidza sei rudo rusingachinji?

  • Nei kuratidza rudo rusingachinji kuchida kuti tizvipire?