PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Nehemiya Aida Kushumira, Kwete Kushumirwa
Nehemiya haana kushandisa chinzvimbo chake kuti aite zvakangomunakira (Ne 5:14, 15, 17, 18; w02 11/1 27 ¶3)
Nehemiya aisangoita basa rekuforoma vanhu, asi aitoshandawo (Ne 5:16; w16.09 6 ¶16)
Nehemiya akakumbira Jehovha kuti amukomborere nemhaka yerudo uye kuzvipira kwake kuti abatsire vanhu vaMwari (Ne 5:19; w00 2/1 32)
Kunyange zvavo Nehemiya aiva gavhuna, aisatarisira kuti abatwe zvakanaka kupfuura vamwe. Akaratidza muenzaniso wakanaka kune vaya vane mabasa avanoita muungano.
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndinonyanya kufunga zvandingaita kuti ndibatsire vamwe here kana kuti ndinongoisa pfungwa pakubatsirwa nevamwe?’