Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kokkinakis v. Greece: Droit réservé

Kubva kuruboshwe tichitangira nechepamusoro: West Virginia State Board of Education v. Barnette; Kokkinakis v. Greece; Taganrog LRO and Others v. Russia; Cha and Others v. South Korea

KURARAMA KWECHIKRISTU

‘Kutsigira Mashoko Akanaka Nekushandisa Mutemo Kuitira Kuti Asarambidzwa’

‘Kutsigira Mashoko Akanaka Nekushandisa Mutemo Kuitira Kuti Asarambidzwa’

Vanhu vaipikisa pavakaedza kumisa basa revaIsraeri rekuvakazve temberi, vaIsraeri vakatora matanho ekuti vave nemvumo yepamutemo yekuita basa ravo. (Ezr 5:11-16) Mazuva ano, vaKristu vanoshandisawo mutemo kuti mashoko akanaka asarambidzwa. (VaF 1:7) Ndokusaka kumahofisi edu makuru kwakaumbwa Dhipatimendi reMitemo muna 1936. Mazuva ano, Dhipatimendi reMitemo riri kumahofisi edu makuru rinotungamirira pabasa rekuita kuti tidzivirirwe nemutemo pakuita mabasa edu echiKristu pasi rese. Dhipatimendi iri riri kutsigira sei basa reUmambo uye riri kubatsira sei vanhu vaMwari?

ONA VHIDHIYO INONZI ZVINOITWA NEDHIPATIMENDI REMITEMO RIRI KUMAHOFISI MAKURU, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvapupu zvaJehovha zvakasangana nematambudziko api?

  • Takakunda panyaya dzipi mumatare? Taura muenzaniso

  • Zvii zvatingaita semunhu mumwe nemumwe kuti ‘titsigire mashoko akanaka uye tishandise mutemo kuti asarambidzwa’?

  • Pawebsite yedu, ndepapi patinowana nyaya dzemumatare dzinobata-bata vanhu vaMwari uyewo mazita eZvapupu zvaJehovha zvakasungirwa kutenda kwazvo?