Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

August 26–September 1

PISAREMA 78

August 26–September 1

Rwiyo 97 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. Tinodzidzei Pakusatendeka kwevaIsraeri?

(10 min.)

VaIsraeri vakakanganwa mabasa aJehovha anoshamisa (Pis 78:​11, 42; w96 12/1 29-30)

VaIsraeri havana kukoshesa zvavaipiwa naJehovha (Pis 78:19; w06 7/15 17 ¶16)

VaIsraeri havana kudzidza kubva pane zvavaikanganisa; vaitoramba vachizvidzokorora (Pis 78:​40, 41, 56, 57; w11 7/1 10 ¶3-4)


ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Chii chichatibatsira kuti tisava vanhu vasina kutendeka kuna Jehovha?

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 78:​24, 25—Nei mana ichinzi “zviyo zvekudenga” uye “chingwa chevane simba”? (w06 7/15 11 ¶5)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 5)

5. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Tanga kukurukura nemunhu uchishandisa turakiti. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 5 pfungwa 4)

6. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(1 min.) PAIMBA NEIMBA. Saimba anokuudza kuti ungotaura kwenguva pfupi. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 5)

7. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Tsvaga nzira yekuti uudze munhu wacho kuti uri Chapupu chaJehovha asi usingatauri nezveBhaibheri. Muudze nezvezvidzidzo zveBhaibheri zvatinoitisa womubvunza kuti anoda kudzidza Bhaibheri here. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 4)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 96

8. Dzidza Kubva Pane Zvakaitwa naFiripi Muevhangeri

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

MuMagwaro, tinoudzwa nezvevanhu vakawanda vakaita zvakanaka uye vamwe vakaita zvakaipa. Tinofanira kuzvipa nguva yekudzidza nezvavo, tofungisisa zvatinodzidza kwavari, uye tozvishandisa muupenyu hwedu.

Firipi Muevhangeri aiva muKristu aizivikanwa semurume akanga ‘azere nemweya neuchenjeri.’ (Mab 6:​3, 5) Tinodzidzei pane zvaakaita?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Dzidza Kubva Kwavari—Muevhangeri Firipi, mobvunza vateereri kuti zvidzidzo zvipi zvavawana pane zvinotevera:

  • Zvakaitwa naFiripi zvinhu pazvakangoerekana zvamuchinjira.—Mab 8:​1, 4, 5

  • Makomborero akawanikwa naFiripi paakazvipira kuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda.—Mab 8:​6-8, 26-31, 34-40

  • Kubatsirwa kwakaitwa Firipi nemhuri yake nemhaka yekuti vaigamuchira vaeni.—Mab 21:​8-10

  • Kufara kwakaita mhuri iri muvhidhiyo nemhaka yekuti vakatevedzera zvakaitwa naFiripi.

9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 101 Nemunyengetero