Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

August 5-11

PISAREMA 70-72

August 5-11

Rwiyo 59 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. ‘Udza Chizvarwa Chinotevera’ Nezvesimba raMwari

(10 min.)

Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamudzivirira achiri mudiki (Pis 71:5; w99 9/1 18 ¶17)

Dhavhidhi akaona kuti Jehovha aimutsigira paainge akwegura (Pis 71:9; g04 10/8 17 ¶3)

Dhavhidhi akakurudzira vechidiki nekutaura zvakaitika muupenyu hwake (Pis 71:​17, 18; w14 1/15 23 ¶4-5)

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Muungano medu, ndiani ava nenguva refu achishumira Jehovha wandinoda kuzobvunza paKunamata kwedu Kwemhuri?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 72:8—Vimbiso yaJehovha kuna Abrahamu iri pana Genesisi 15:18 yakazadziswa sei paitonga Mambo Soromoni? (it-1-E 768)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. Munhu wacho paanotanga kuita nharo, taura zvine mutsa wobva wamira kukurukura naye. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Enderera mberi nekukurukura nehama yako imwe nyaya yamakambokurukura munguva yapfuura. Hama yako inobva yaratidza kuti iri kuzeza kudzidza Bhaibheri. (lmd chidzidzo 8 pfungwa 4)

6. Kutsanangura Zvaunotenda

(5 min.) Hurukuro. ijwfq 49—Musoro: Nei Zvapupu zvaJehovha Zvakachinja Zvimwe Zvazvaitenda? (th chidzidzo 17)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 76

7. Zvamunogona Kuita Pakunamata Kwemhuri

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Kunamata Kwemhuri kunopa vabereki mukana ‘wekurayira vana sezvinodiwa naJehovha.’ (VaE 6:4) Kudzidza ibasa, asi kunogona kusvika pakunakidza, kunyanya vana pavanova nechido chekudzidza chokwadi cheBhaibheri. (Joh 6:27; 1Pe 2:2) Kurukurai zviri mubhokisi rakanzi “ Zvamunogona Kuita Pakunamata Kwemhuri,” iro rinogona kubatsira vabereki kuti vaite kuti vana vavo vawane zvidzidzo paKunamata Kwemhuri uye vanakidzwe. Kana mapedza, kurukurai mibvunzo iyi:

  • Pamazano ataurwa mubhokisi, ndeapi amungada kuedza kushandisa?

  • Pane zvimwe zvamakaona zvinobatsira here?

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Rambai Muchiita Kuti Kunamata Kwenyu Kwemhuri Kunakidze, mobvunza vateereri kuti:

  • Murume angaita sei kuti kunamata kwemhuri kufadze mudzimai wake kana vachigara vasina vana?

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 123 Nemunyengetero